Matthew 23

Jesu anotsiura vanyori neVaFarisi

1Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake, 2achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi; 3saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. 4Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo. 5Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo; 6vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge, 7nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi*, Rabhi.

8Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama. 9Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga. 10Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu. 11Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu. 12Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa.

13Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda. 14Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa. 15Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.

16Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava. 17Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene? 18Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava. 19Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene? 20Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo. 21Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi. 22Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.

23Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte* neadhiri* nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe. 24Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera. 25Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora. 26MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.

27Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese. 28Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.

29Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama, 30muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita. 31Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita. 32Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu! 33Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?

34Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta. 35Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari. 36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri.

Jesu anochema pamusoro peJerusarema

37Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda. 38Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo. 39Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.

Copyright information for Shona